Munongondinyomba zvenyu muchinditi ndiri chirema asi handina kuzvisarudza. Handina kuzvarwa ndakaremara. Sekai urema mafa hamawee. Ndakatozoremara ndatokura. Izvi zvakaitika mushure mechimwe chiitiko chandisingakanganwe. Baba naamai vaive vaenda kwaambuya ini ndokusara ndega pamba. Zvakaitika sekudai; Sezvo ndaive ndasara ndega pamusha hazvina kunditorera nguva kuti ndipedze kubika. Ko kubika chikafu chemunhu mumwechete kunombononoka here? Zvakanga zvasangana nekuda kukasika kuti ndinyatsoona runhare rwangu rwandainge ndave nenguva refu ndisati ndambobata. Pandakapedza kudya kunze kwainge kuchangoti svibei. Sezvo pakanga pasina wekutandara naye ndakaenda zvangu kunorara. Ndakapinda mugota rangu ndokugara pamubhedha wangu kwave kutanga kutekenya runhare rwangu. Ndakaenda pawattsup ndokuona tsamba dzaiita kudururwa murunhare rwangu. Ndaidakunyatsoona kuti vanhu vaiti kudii pamavhiki maviri andakanga ndapedza ndisingataure nevanhu nekuda kweurwere. Ndakanga ndapedza svondo mbiri ndichirwara nezino. Zvekutaura nevanhu vekuchikoro kwedu parunhare ndainge ndambotsveta pasi. Ndakaona tsamba zhinji dzaive dzakanzi MOTIVATION nemavara makuru dzandisina kuverenga. Ndakazoona imwe yaive yabva kunaTimoti yaive yakanzi“,wavakugona answering technique here? Ini ndakapinda mumagroup akawanda eGeo." Ndakaona dzimwe tsamba zhinji dzaTimoti dzandisina kuverenga dzaainyora mibvunzo achiipindura. Ndakamboda kuverenga imwe tsamba yaive yakanzi ONLINE VIRTUAL LESSONS asi handina chandakanzwisisa nekuda kwehope. Ndakatoita zvekuvhunduka ndadonhedzera runhare rwangu pamubhedha. Ndakabva ndangopinda mumagudza ndokurara zvangu. Ndichingoti isei matama pasi ndakanzwa kuti dhi dhi dhi mazimitsindo achiuya pedyo. Hana yangu yakati mwau vhudzi ndiye nyau-nyau. Ndakamuka ndokugara pamubhedha murima. Mushure menguva pfupi-pfupi ndakanzwa mitsindo yopararira nemusha wese. Zano rakauya mupfungwa dzangu ndokutanga kunyahwaira ndakananga kuhwindo. Ndisati ndapeura mucheka waivepo kuti ndione zvaive panze ndakanzwa hwindo rogogodzwa zvinesimba. Ndakatya kudavira sezvo izwi rangu raizonditengesa zvikazivikanwa kuti vabereki vaisavepo. Ndakanga ndave nemakore gumi nesere ekuberekwa. Ndakarangarira mufundisi wekusvondo kwedu aitaura achiti“, usati waita chero chaunoda kuita paupenyu, tanga wanamata Mwari. Ukaita sekudaro unoona zvinhu zvichikufambira zvakanaka." Mumwoyo mangu ndakanyatsogutsikana kuti nguva yandaive ndiyo yaida kudanwa Musiki. Pakarepo ndakagwadama pasi ndokutsinzinya. Ndakatanga kunyengetera nezwi rizere kutya; “Ishe Jehovha Samasimba. Ndinoziva ndimi mupi wevanoshaya. Kuine rima ndimi chiedza chevatendi.' “Ndimi makanunura Dhanyeri mugomba reshumba. Ndimi makaburitsa Pauro mutirongo Ndimi makaita kuti Misheki naAbhedhinigo vasatsve nemoto. Tarirai ndavingwa nechikara pamukova.' “Ishe ndinochemera simba renyu guru kwazvo. Riya ramakaratidza vaIsiraeri pamberi paFaraoh Hondo yaFarao mukaidzivisa kuyambuka gungwa. Ko ini ndachema nezita renyu zvinokonewa nei? Ameni." Pandakapedza kunamata zvakanga zvatowedzera. Dai pasina kuti taive takavakira kure nedzimwe dzimba pamwe ndaigona kutarisira rubatsiro kubva kuvavakidzani. “Ndiani?" Shoko iri rakaita zvekupoya mukanwa mangu. ****0786529922/bhamucleopas9@gmail.com kuti muenderere mberi nekuverenga****
Bhuku reChishona
